-
Numeri 32:1-5Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
32 Vanakomana vaRubheni+ nevanakomana vaGadhi+ vaiva nezvipfuwo zvakawanda kwazvo uye vakaona kuti nyika yeJazeri+ nenyika yeGiriyedhi dzakanga dzakanakira zvipfuwo. 2 Saka vanakomana vaGadhi nevanakomana vaRubheni vakauya kuna Mozisi, nemupristi Eriyezari, nemachinda eungano vakati: 3 “Ataroti, Dhibhoni, Jazeri, Nimra, Heshbhoni,+ Ereyare, Sebhamu, Nebho,+ neBheoni,+ 4 nzvimbo dzakakundwa naJehovha pamberi peungano yaIsraeri,+ inzvimbo dzakanakira zvipfuwo, uye varanda venyu vane zvipfuwo zvakawanda.”+ 5 Vakatizve: “Kana matinzwira nyasha, nzvimbo iyi ngaipiwe varanda venyu kuti ive nhaka yavo. Musatiyambutsa henyu Jodhani.”
-