Genesisi 18:19 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 19 Nekuti ndava kumuziva kuitira kuti arayire vanakomana vake, neimba yake inomutevera, kuti vachengete nzira yaJehovha vachiita zvakarurama uye vachitonga zvakarurama,+ kuti Jehovha azadzise zvaakavimbisa nezvaAbrahamu.” Dheuteronomi 4:9 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 9 “Imi ingochenjererai uye ngwarirai, kuti murege kukanganwa zvinhu zvakaonekwa nemaziso enyu uye kuti zvirege kubva mumwoyo menyu mazuva ese eupenyu hwenyu. Munofanira kuzvizivisawo vanakomana venyu nevazukuru venyu.+ Zvirevo 22:6 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 6 Dzidzisa mwana* nzira yaanofanira kufamba nayo;+Kunyange kana akwegura haazobvi mairi.+ VaEfeso 6:4 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 4 Uye vanababa, musatsamwisa vana venyu,+ asi varerei muchivaranga+ uye muchivarayira* sezvinodiwa naJehovha.*+
19 Nekuti ndava kumuziva kuitira kuti arayire vanakomana vake, neimba yake inomutevera, kuti vachengete nzira yaJehovha vachiita zvakarurama uye vachitonga zvakarurama,+ kuti Jehovha azadzise zvaakavimbisa nezvaAbrahamu.”
9 “Imi ingochenjererai uye ngwarirai, kuti murege kukanganwa zvinhu zvakaonekwa nemaziso enyu uye kuti zvirege kubva mumwoyo menyu mazuva ese eupenyu hwenyu. Munofanira kuzvizivisawo vanakomana venyu nevazukuru venyu.+
4 Uye vanababa, musatsamwisa vana venyu,+ asi varerei muchivaranga+ uye muchivarayira* sezvinodiwa naJehovha.*+