14 Muchaita kuti pave nemaguta matatu kumhiri kuno kwaJodhani+ uye maguta matatu munyika yeKenani+ kuti ave maguta ekupotera. 15 Maguta 6 aya achava ekupotera kuvaIsraeri, kumutorwa,+ nekumunhu anenge achigara pakati pavo, kuti munhu wese anenge auraya mumwe munhu netsaona atizire ikoko.+