-
Numeri 35:22-24Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
22 “‘Asi kana akamusunda netsaona asingamuvengi kana kuti akakanda chimwe chinhu kwaari asina chinangwa chekumukuvadza,*+ 23 kana kuti akakonzera kuti dombo ridonhere paari asingamuoni uye asingamuvengi kana kuti asingatsvagi kumukuvadza, munhu wacho ofa, 24 ungano inofanira kutonganisa akauraya wacho nemutsivi weropa ichishandisa mitongo iyi.+
-
-
Dheuteronomi 19:4-6Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
4 “Izvi ndizvo zvinofanira kuitwa nemunhu anenge auraya mumwe munhu otizira ikoko kuti asaurayiwa: Kana akauraya mumwe wake netsaona uye akanga asingamuvengi;+ 5 pakadai sekuti anoenda kusango kunotsvaga huni nemumwe wake, osimudza ruoko rwake kuti ateme muti nedemo, demo racho rosvotoka mumupinyi rorova mumwe wake obva afa, nyakuuraya anofanira kutizira kune rimwe remaguta aya kuti asaurayiwa.+ 6 Akasadaro, mutsivi weropa,+ sezvo akatsamwa kwazvo, anogona kumudzingirira omubata, omuuraya, nekuti guta racho rinenge riri kure. Asi anga asingafaniri kufa, sezvo akanga asingavengi mumwe wake.+
-