Eksodho 34:16 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 16 Iwe uchabva watorera vanakomana vako vamwe vanasikana vavo,+ uye vanasikana vavo vachaita unzenza navanamwari vavo, voita kuti vanakomana vako vaite unzenza navanamwari vavo.+ Dheuteronomi 7:3 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 3 Usaroorerana navo. Usaroodza vanasikana vako kuvanakomana vavo, kana kuita kuti vanakomana vako varoore vanasikana vavo.+ Vatongi 3:6 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 6 Vaitora vanasikana vemarudzi iwayo kuti vave madzimai avo, vachipawo vanasikana vavo kuvanakomana vemarudzi acho, uye vakatanga kushumira vanamwari vavo.+ 1 Madzimambo 11:4 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 4 Soromoni paakanga akwegura,+ madzimai ake akatsausa mwoyo wake ukatevera vamwe vanamwari,+ uye mwoyo wake wakanga usina kuperera* kuna Jehovha Mwari wake semwoyo wababa vake Dhavhidhi. Ezra 9:2 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 2 Vakatora vamwe vanasikana vavo kuti vave madzimai avo neevanakomana vavo.+ Zvino ivo, rudzi* rutsvene,+ vavhengana nemarudzi enyika dzacho.+ Machinda nevatevedzeri vevatongi ndivo vanotova pamberi pamhosva iyi yekusatendeka.”
16 Iwe uchabva watorera vanakomana vako vamwe vanasikana vavo,+ uye vanasikana vavo vachaita unzenza navanamwari vavo, voita kuti vanakomana vako vaite unzenza navanamwari vavo.+
3 Usaroorerana navo. Usaroodza vanasikana vako kuvanakomana vavo, kana kuita kuti vanakomana vako varoore vanasikana vavo.+
6 Vaitora vanasikana vemarudzi iwayo kuti vave madzimai avo, vachipawo vanasikana vavo kuvanakomana vemarudzi acho, uye vakatanga kushumira vanamwari vavo.+
4 Soromoni paakanga akwegura,+ madzimai ake akatsausa mwoyo wake ukatevera vamwe vanamwari,+ uye mwoyo wake wakanga usina kuperera* kuna Jehovha Mwari wake semwoyo wababa vake Dhavhidhi.
2 Vakatora vamwe vanasikana vavo kuti vave madzimai avo neevanakomana vavo.+ Zvino ivo, rudzi* rutsvene,+ vavhengana nemarudzi enyika dzacho.+ Machinda nevatevedzeri vevatongi ndivo vanotova pamberi pamhosva iyi yekusatendeka.”