-
Dheuteronomi 25:5, 6Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
5 “Kana mukoma nemunin’ina vachigara pamwe chete, mumwe wacho ofa asina mwanakomana, mudzimai wemufi haafaniri kuroorwa nemumwe murume asiri wemumhuri yacho. Asara wacho anofanira kuenda kumuramu wake, omutora kuti ave mudzimai wake, omugara nhaka.+ 6 Dangwe raachabereka richamutsidzira zita reuya akafa,+ kuti zita rake rirege kudzimwa pakati paIsraeri.+
-