-
1 Samueri 20:19-22Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
19 Pazuva rechitatu vachatobvunza nezvako; uye unofanira kuuya kunzvimbo yawakahwanda zuva riya,* woramba uri pedyo nedombo riri pano. 20 Ini ndichabva ndapfura miseve mitatu kune rimwe divi redombo racho, sekunge kuti pane chandiri kupfura. 21 Pandichatuma muranda, ndichati, ‘Enda unotsvaga miseve.’ Kana ndikati kumuranda wacho, ‘Miseve iri kudivi rako iri, itore,’ unogona hako kudzoka, nekuti chokwadi naJehovha mupenyu, zvinoreva kuti kune rugare uye hapana chekutya. 22 Asi kana ndikati kumukomana wacho, ‘Miseve iri mberi kwako,’ iwe ibva waenda, nekuti Jehovha ari kuda kuti uende.
-