1 Samueri 15:27, 28 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 27 Samueri paakatendeuka kuti aende, Sauro akabata mupendero wenguo yake isina maoko, asi yakabvaruka. 28 Samueri akabva ati kwaari: “Jehovha abvarura umambo hweIsraeri kubva pauri nhasi, uye achahupa mumwe wako ari nani panewe.+ 1 Samueri 24:17 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 17 Akati kuna Dhavhidhi: “Wakarurama kundipfuura, nekuti uri kundiitira zvakanaka, asi ini ndiri kukuitira zvakaipa.+ 1 Samueri 24:20 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 20 Iye zvino ndava kuziva kuti uchava mambo+ uye kuti umambo hweIsraeri hucharamba huri muruoko rwako. 1 Samueri 26:25 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 25 Sauro akapindura Dhavhidhi achiti: “Komborerwa mwanakomana wangu Dhavhidhi. Chokwadi uchaita zvinhu zvikuru uye chokwadi uchakunda.”+ Dhavhidhi akabva aenda uye Sauro akadzokera kwake.+
27 Samueri paakatendeuka kuti aende, Sauro akabata mupendero wenguo yake isina maoko, asi yakabvaruka. 28 Samueri akabva ati kwaari: “Jehovha abvarura umambo hweIsraeri kubva pauri nhasi, uye achahupa mumwe wako ari nani panewe.+
17 Akati kuna Dhavhidhi: “Wakarurama kundipfuura, nekuti uri kundiitira zvakanaka, asi ini ndiri kukuitira zvakaipa.+
20 Iye zvino ndava kuziva kuti uchava mambo+ uye kuti umambo hweIsraeri hucharamba huri muruoko rwako.
25 Sauro akapindura Dhavhidhi achiti: “Komborerwa mwanakomana wangu Dhavhidhi. Chokwadi uchaita zvinhu zvikuru uye chokwadi uchakunda.”+ Dhavhidhi akabva aenda uye Sauro akadzokera kwake.+