-
Dheuteronomi 4:41-43Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
41 Panguva iyoyo Mozisi akasarudza maguta matatu kumabvazuva kwaJodhani.+ 42 Kana paine munhu anenge auraya mumwe wake netsaona uye asina kugara achimuvenga,+ anofanira kutizira kune rimwe remaguta aya, ararame.+ 43 Maguta acho iBhezeri+ iri murenje panzvimbo yakakwirira uye yakati sandara kuti ishandiswe nevaRubheni, Ramoti+ iri muGiriyedhi kuti ishandiswe nevaGadhi, neGorani+ iri muBhashani kuti ishandiswe nevaManase.+
-