-
2 Makoronike 6:14-17Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
14 akati: “Haiwa Jehovha Mwari waIsraeri, hakuna mumwe Mwari akaita semi kudenga nepanyika, anochengeta sungano uye anoratidza rudo rusingachinji kuvaranda venyu vari kufamba pamberi penyu nemwoyo yavo yese.+ 15 Mazadzisa vimbiso yamakaitira muranda wenyu, baba vangu Dhavhidhi.+ Makataura vimbiso yacho nemuromo wenyu, uye nhasi maizadzisa neruoko rwenyu.+ 16 Iye zvino Jehovha Mwari waIsraeri, chizadzisai zvamakavimbisa muranda wenyu, ivo baba vangu Dhavhidhi, pamakati: ‘Pamberi pangu hapazomboshayikwi murume wedzinza rako anogara pachigaro cheumambo chaIsraeri, chero bedzi vanakomana vako vakangochenjerera nzira yavo nekufamba mumutemo wangu,+ sekufamba kwawakaita pamberi pangu.’+ 17 Zvino, haiwa Jehovha Mwari waIsraeri, zadzisai vimbiso yamakaita kumuranda wenyu Dhavhidhi.
-