RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Dheuteronomi 7:9
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 9 Munonyatsoziva kuti Jehovha Mwari wenyu ndiMwari wechokwadi, Mwari akatendeka, anochengeta sungano yake uye ane rudo rusingachinji kuzviuru zvezvizvarwa zvevaya vanomuda uye vanochengeta mirayiro yake.+

  • 1 Madzimambo 8:23-26
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 23 akati: “Jehovha Mwari waIsraeri, hakuna mumwe Mwari akaita semi+ kumusoro kudenga nepasi pano, anochengeta sungano uye anoratidza rudo rusingachinji+ kuvaranda venyu vari kufamba pamberi penyu nemwoyo yavo yese.+ 24 Mazadzisa vimbiso yamakaitira muranda wenyu, baba vangu Dhavhidhi. Makataura vimbiso yacho nemuromo wenyu, uye nhasi maizadzisa neruoko rwenyu.+ 25 Iye zvino Jehovha Mwari waIsraeri, chizadzisai zvamakavimbisa muranda wenyu, ivo baba vangu Dhavhidhi, pamakati: ‘Pamberi pangu hapazomboshayikwi murume wedzinza rako anogara pachigaro cheumambo chaIsraeri, kana vanakomana vako vakangochenjerera nzira yavo nekufamba pamberi pangu sekufamba kwawakaita pamberi pangu.’+ 26 Ndapota Mwari waIsraeri, zadzisai vimbiso yamakaita kumuranda wenyu, ivo baba vangu Dhavhidhi.

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe