9 “Zvino iwe mwanakomana wangu Soromoni, ziva Mwari wababa vako, umushumire nemwoyo wakaperera+ uye nemweya unofara, nekuti Jehovha anoongorora mwoyo yese,+ uye anonzwisisa kese kangafungwa nemunhu.+ Kana ukamutsvaga, achaita kuti umuwane,+ asi kana ukamusiya achakuramba nekusingaperi.+