-
2 Makoronike 9:20, 21Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
20 Midziyo yese yekunwira yaMambo Soromoni yaiva yegoridhe, uye midziyo yese yeImba yeSango reRebhanoni yaiva yegoridhe rakanatswa. Pakanga pasina chakagadzirwa nesirivha, nekuti sirivha yaisamboonekwa sechinhu mumazuva aSoromoni.+ 21 Nekuti ngarava dzamambo dzaienda kuTashishi+ dziine varanda vaHiramu.+ Kamwe chete pamakore matatu ega ega, ngarava dzeTashishi dzaiuya dzakatakura goridhe nesirivha, nyanga dzenzou,+ tsoko, nemapikoko.
-