RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • 2 Samueri 7:12
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 12 Pauchafa,+ woradzikwa pamwe chete nemadzitateguru ako, ndichaita kuti mwana* wako, mwanakomana wauchabereka,* ave mambo pashure pako, uye ndichasimbisa umambo hwake.+

  • 2 Samueri 7:16
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 16 Imba yako neumambo hwako zvicharamba zviripo nekusingaperi; chigaro chako cheumambo chicharamba chakasimba nekusingaperi.”’”+

  • 1 Madzimambo 8:25
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 25 Iye zvino Jehovha Mwari waIsraeri, chizadzisai zvamakavimbisa muranda wenyu, ivo baba vangu Dhavhidhi, pamakati: ‘Pamberi pangu hapazomboshayikwi murume wedzinza rako anogara pachigaro cheumambo chaIsraeri, kana vanakomana vako vakangochenjerera nzira yavo nekufamba pamberi pangu sekufamba kwawakaita pamberi pangu.’+

  • 1 Makoronike 17:11
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 11 “‘“Pauchafa woenda kune madzitateguru ako, ndichaita kuti mwana* wako, mumwe wevanakomana vako, ave mambo pashure pako,+ uye ndichasimbisa umambo hwake.+

  • Pisarema 132:11, 12
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 11 Jehovha akapika kuna Dhavhidhi;

      Haazoregi kuita zvaakataura paakati:

      “Mumwe wevana vako,

      Ndichamuisa pachigaro chako cheumambo.+

      12 Kana vanakomana vako vakachengeta sungano yangu

      Nezviyeuchidzo zvangu zvandinovadzidzisa,+

      Vanakomana vavowo

      Vachagara pachigaro chako cheumambo nekusingaperi.”+

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe