RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • 1 Samueri 8:11-18
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 11 Akati: “Mambo achakutongai achava nekodzero yekuita zvinhu izvi:+ Achatora vanakomana venyu+ ovaisa mungoro dzake+ oita kuti vave vatasvi vemabhiza ake,+ uye vamwe vachafanira kumhanya pamberi pengoro dzake. 12 Uye achagadza vakuru vezviuru+ nevakuru vemakumi mashanu,+ uye vamwe vachamurimira,+ vachakohwa mbeu dzake+ uye vachagadzira zvombo zvake zvehondo nezvinoshandiswa pangoro dzake.+ 13 Achatora vanasikana venyu kuti vagadzire mafuta ekuzora,* vabike zvekudya uye kuti vabike chingwa.+ 14 Achatora minda yenyu yakanaka kupfuura yese, minda yenyu yemizambiringa, neminda yenyu yemiorivhi,+ oipa vashandi vake. 15 Achatora chegumi chezvirimwa zveminda yenyu necheminda yenyu yemizambiringa, uye achazvipa vakuru vemumuzinda wake nevashandi vake. 16 Achatora varume nevakadzi vanokushandirai, nemombe dzenyu dzakanaka kupfuura dzese, nemadhongi enyu, ozvishandisa pabasa rake.+ 17 Achatora chegumi chemakwai enyu,+ uye imi muchava vashandi vake. 18 Zuva richasvika ramuchachema nemhaka yamambo wamazvisarudzira,+ asi Jehovha haazokupindurii zuva iroro.”

  • 1 Madzimambo 4:7
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 7 Soromoni aiva nevatariri 12 vaitungamirira vaIsraeri vese, uye vaiunza zvekudya kuna mambo neimba yake. Mumwe nemumwe wavo aifanira kuunza zvekudya kwemwedzi mumwe chete pagore.+

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe