-
1 Madzimambo 2:31-34Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
31 Mambo akabva ati kwaari: “Ita sezvaataura; muuraye umuvige, kuti ubvise pandiri nepaimba yababa vangu ropa rakadeurwa naJoabhi pasina chikonzero.+ 32 Jehovha achamutsiva mhosva yake yekudeura ropa, nekuti baba vangu Dhavhidhi vasingazivi, akarwisa varume vaviri vakarurama uye vakanaka kumupfuura akavauraya nebakatwa, vanoti: Abhineri+ mwanakomana waNeri, mukuru weuto raIsraeri,+ naAmasa+ mwanakomana waJeteri, mukuru weuto raJudha.+ 33 Mhosva yekufa kwavo ichauya pana Joabhi nepavana vake* nekusingaperi;+ asi kuna Dhavhidhi nekuvana vake* nekuimba yake nekuchigaro chake cheumambo ngakuve nerugare runobva kuna Jehovha nekusingaperi.” 34 Bhenaya mwanakomana waJehoyadha akabva aenda akarwisa Joabhi akamuuraya, uye akavigwa pamba pake murenje.
-