-
2 Samueri 17:27-29Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
27 Dhavhidhi paakangosvika kuMahanaimu, Shobhi mwanakomana waNahashi wekuRabha+ yevaAmoni, naMakiri+ mwanakomana waAmieri wekuRo-dhebhari, naBhazirai+ muGiriyedhi wekuRogerimu 28 vakauya nemibhedha, mabheseni, hari, gorosi, bhari, furawa, zviyo zvakakangwa, bhinzi, nyemba, zviyo zvakaomeswa, 29 uchi, ruomba, makwai, nechizi.* Vakauya nezvinhu zvese izvi kuti Dhavhidhi nevanhu vaakanga ainavo vadye,+ nekuti vakati: “Vanhu vava nenzara, vaneta, uye vava nenyota murenje.”+
-