-
Dheuteronomi 12:5, 6Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
5 Panzvimbo pekudaro, tsvagai Jehovha Mwari wenyu chero kwaanenge asarudza kuisa zita rake uye nzvimbo yake yaanenge achigara pakati pemadzinza enyu ese, moenda ikoko.+ 6 Ndiko kwamuchaunza mipiro yenyu inopiswa,+ zvibayiro zvenyu, zvegumi zvenyu,+ zvipo zvinobva mumaoko enyu,+ mipiro yemhiko, mipiro yenyu yekungopa muchizvidira,+ uye zvinotanga kuberekwa pamombe dzenyu nemakwai enyu.+
-
-
1 Madzimambo 8:16, 17Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
16 ‘Kubvira pazuva randakabudisa vanhu vangu vaIsraeri muIjipiti, handina kusarudza guta pamadzinza ese aIsraeri rekuti zita rangu rivakirwe imba kuti rirambe riri ipapo,+ asi ndakasarudza Dhavhidhi kuti atungamirire vanhu vangu vaIsraeri.’ 17 Baba vangu Dhavhidhi vaiva nechido mumwoyo mavo chekuvakira zita raJehovha Mwari waIsraeri imba.+
-