-
Dhanieri 10:8-10Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
8 Ndakabva ndasara ndiri ndega, uye pandakaona chiratidzo ichi chikuru, ndakapera simba, chiso changu chikachinja, uye ndakasara ndati rukutu.+ 9 Ndakatanga kunzwa achitaura; asi pandakanzwa achitaura, ndakabatwa nehope huru, chiso changu chakatarisa pasi.+ 10 Asi pane ruoko rwakabva rwandibata,+ rukandizunguza kuti ndimuke. Ndakabva ndapfugama ndakabatirira pasi.
-