-
2 Madzimambo 17:22, 23Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
22 VaIsraeri vakaramba vachifamba muzvivi zvese zvakaitwa naJerobhoamu.+ Havana kuzvirega 23 kusvikira Jehovha abvisa vaIsraeri pamberi pake, sezvaakanga ataura achishandisa varanda vake vese vaprofita.+ Saka vaIsraeri vakatapwa vakabviswa munyika yavo, vakaendeswa kuAsiriya+ uko kwavachiri nanhasi.
-