-
Isaya 37:23-25Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
23 Ndiani wawashora+ uye wawamhura?
Ndiani wawakwidzira inzwi+
Uye wawasimudzira maziso ako uchizvikudza?
Wazviita kuMutsvene waIsraeri!+
24 Washora Jehovha+ uchishandisa varanda vako ukati,
‘Nengoro dzangu zhinji dzehondo
Ndichakwira pamusoro pemakomo,+
Idzo nzvimbo dziri kure chaizvo dzeRebhanoni.
Ndichatema misidhari yayo mirefu, mijunipa yayo yakanaka chaizvo.
Ndichapinda munzvimbo dzayo dzakakwirira kupfuura dzese, mumasango ayo azere nemiti.
-