-
2 Makoronike 33:2-6Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
2 Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, achitevedzera zvinhu zvinosemesa zvaiitwa nemarudzi akanga adzingwa naJehovha pamberi pevaIsraeri.+ 3 Akavakazve nzvimbo dzakakwirira dzakanga dzaparadzwa nababa vake Hezekiya,+ akavakira vanaBhaari atari, akagadzira mapango anoyera,* uye akapfugamira uto rese rekudenga achirishumira.+ 4 Anewo atari dzaakavaka muimba yaJehovha,+ makanga manzi naJehovha: “Zita rangu richava muJerusarema nekusingaperi.”+ 5 Akavakawo atari dzeuto rese rekudenga muzvivanze zviviri zveimba yaJehovha.+ 6 Akaitawo kuti vanakomana vake vapfuure nemumoto+ muBani reMwanakomana waHinomu;+ aiita zvemashiripiti,+ zvekushopera, nezveuroyi, uye akagadza masvikiro nevafemberi.+ Akaita zvakaipa zvizhinji chaizvo pamberi paJehovha, achimugumbura.
-