-
2 Madzimambo 21:2-6Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
2 Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, achitevedzera zvinhu zvinosemesa zvaiitwa nemarudzi+ akanga adzingwa naJehovha pamberi pevaIsraeri.+ 3 Akavakazve nzvimbo dzakakwirira dzakanga dzaparadzwa nababa vake Hezekiya,+ uye akavakira Bhaari atari, akagadzira bango rinoyera,*+ sezvakanga zvaitwa naAhabhi mambo weIsraeri.+ Uye akapfugamira uto rese rekudenga achirishumira.+ 4 Anewo atari dzaakavaka muimba yaJehovha,+ makanga manzi naJehovha: “Ndichaisa zita rangu muJerusarema.”+ 5 Akavakawo atari dzeuto rese rekudenga+ muzvivanze zviviri zveimba yaJehovha.+ 6 Akaitawo kuti mwanakomana wake apfuure nemumoto; aiita zvemashiripiti, aitenda mashura,+ uye akagadza masvikiro nevafemberi.+ Akaita zvakaipa zvizhinji chaizvo pamberi paJehovha, achimugumbura.
-