-
2 Madzimambo 16:2, 3Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
2 Ahazi aiva nemakore 20 paakava mambo, uye akatonga kwemakore 16 muJerusarema. Haana kuita zvakarurama pamberi paJehovha Mwari wake zvakanga zvaitwa natateguru vake Dhavhidhi.+ 3 Asi akafamba nenzira yemadzimambo eIsraeri,+ uye akatopfuudzawo mwanakomana wake nemumoto,+ achitevedzera zvinhu zvinosemesa zvaiitwa nemarudzi+ akanga adzingwa naJehovha pamberi pevaIsraeri.
-
-
Jeremiya 32:35Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
35 Uyewo vakavaka nzvimbo dzakakwirira dzaBhaari muBani reMwanakomana waHinomu,*+ kuti vaite kuti vanakomana vavo nevanasikana vavo vapfuure nemumoto vachiitira Moreki,+ zvinhu zvandakanga ndisina kuvarayira+ uye zvisina kumbobvira zvauya mumwoyo mangu* kuti ndivaudze kuti vaite zvinhu zvinosemesa kudaro, vachiita kuti Judha atadze.’
-