2 Makoronike 36:17 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 17 Saka akaita kuti mambo wevaKadheya+ auye kuzovarwisa, uyo akabva auraya majaya avo nebakatwa+ munzvimbo yavo tsvene;+ haana kunzwira tsitsi jaya kana mhandara, akwegura kana anorwara.+ Mwari akaisa zvese muruoko rwake.+ Jeremiya 34:2 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 2 “Zvanzi naJehovha Mwari waIsraeri, ‘Enda unotaura naMambo Zedhekiya+ weJudha, uti kwaari: “Zvanzi naJehovha, ‘Ndiri kuisa guta rino muruoko rwamambo weBhabhironi, uye acharipisa nemoto.+ Ezekieri 24:1, 2 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 24 Shoko raJehovha rakauyazve kwandiri mugore rechi9, mumwedzi wechi10, pazuva rechi10 remwedzi wacho, richiti: 2 “Mwanakomana wemunhu, nyora pasi zuva iri, iro zuva ranhasi. Mambo weBhabhironi atanga kurwisa Jerusarema nhasi.+
17 Saka akaita kuti mambo wevaKadheya+ auye kuzovarwisa, uyo akabva auraya majaya avo nebakatwa+ munzvimbo yavo tsvene;+ haana kunzwira tsitsi jaya kana mhandara, akwegura kana anorwara.+ Mwari akaisa zvese muruoko rwake.+
2 “Zvanzi naJehovha Mwari waIsraeri, ‘Enda unotaura naMambo Zedhekiya+ weJudha, uti kwaari: “Zvanzi naJehovha, ‘Ndiri kuisa guta rino muruoko rwamambo weBhabhironi, uye acharipisa nemoto.+
24 Shoko raJehovha rakauyazve kwandiri mugore rechi9, mumwedzi wechi10, pazuva rechi10 remwedzi wacho, richiti: 2 “Mwanakomana wemunhu, nyora pasi zuva iri, iro zuva ranhasi. Mambo weBhabhironi atanga kurwisa Jerusarema nhasi.+