Revhitiko 26:26 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 26 Kana ndaparadza pamunoisira* chingwa chenyu,+ vakadzi gumi vachabikira chingwa chenyu muovheni imwe chete, vokugovanisai vachiita zvekuyera+ uye muchadya asi hamuzoguti.+ Dheuteronomi 28:53 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 53 Uye uchadya vana vako, nyama yevanakomana vako nevanasikana vako+ vawakapiwa naJehovha Mwari wako, nemhaka yekuomerwa kwaunenge waitwa wakakombwa uye kurwadziswa kwauchaitwa nemuvengi wako. Jeremiya 37:21 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 21 Saka Mambo Zedhekiya akarayira kuti Jeremiya achengetwe muChivanze cheVarindi,+ uye aipiwa chingwa cheraundi zuva nezuva chaibva kumugwagwa wevabiki,+ kusvikira chingwa chese chaiva muguta chapera.+ Uye Jeremiya akaramba ari muChivanze cheVarindi. Jeremiya 38:2 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 2 “Zvanzi naJehovha, ‘Munhu anoramba ari muguta rino achaurayiwa nebakatwa, nenzara, nedenda.*+ Asi munhu achaenda kunozviisa mumaoko evaKadheya* acharamba achirarama uye achava neupenyu hwake* sechinhu chaapamba* uye achapona.’+ Mariro 4:4 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 4 Rurimi rwemwana anoyamwa rwanamatira mukanwa make nenyota. Vana vari kukumbira zvekudya,+ asi hapana ari kuvapa.+ Ezekieri 4:16 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 16 Akabva ati kwandiri: “Mwanakomana wemunhu, ndiri kuita kuti zvekudya zvipere muJerusarema,*+ uye vachadya chingwa chavo chichiita zvekuyerwa,+ mwoyo yavo ichinetseka chaizvo, uye mvura yavachanwa ichaita zvekuyerwa uye vachainwa vachitya kwazvo.+ Ezekieri 5:10 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 10 “‘“Saka vanababa vari pakati pako vachadya vanakomana vavo,+ uye vanakomana vachadya vanababa vavo, uye ndichapa mutongo pakati pako, ndoparadzira vamwe venyu vese vasara kumativi ese.”’*+ Ezekieri 5:12 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 12 Chikamu chako chimwe chete pazvitatu chichafa nedenda* kana kupera nenzara. Chimwe chikamu chacho chichaurayiwa nebakatwa kumativi ako ese.+ Uye ndichaparadzira chikamu chekupedzisira kumativi ese,* uye ndichavhomora bakatwa rekuvadzingirira.+
26 Kana ndaparadza pamunoisira* chingwa chenyu,+ vakadzi gumi vachabikira chingwa chenyu muovheni imwe chete, vokugovanisai vachiita zvekuyera+ uye muchadya asi hamuzoguti.+
53 Uye uchadya vana vako, nyama yevanakomana vako nevanasikana vako+ vawakapiwa naJehovha Mwari wako, nemhaka yekuomerwa kwaunenge waitwa wakakombwa uye kurwadziswa kwauchaitwa nemuvengi wako.
21 Saka Mambo Zedhekiya akarayira kuti Jeremiya achengetwe muChivanze cheVarindi,+ uye aipiwa chingwa cheraundi zuva nezuva chaibva kumugwagwa wevabiki,+ kusvikira chingwa chese chaiva muguta chapera.+ Uye Jeremiya akaramba ari muChivanze cheVarindi.
2 “Zvanzi naJehovha, ‘Munhu anoramba ari muguta rino achaurayiwa nebakatwa, nenzara, nedenda.*+ Asi munhu achaenda kunozviisa mumaoko evaKadheya* acharamba achirarama uye achava neupenyu hwake* sechinhu chaapamba* uye achapona.’+
4 Rurimi rwemwana anoyamwa rwanamatira mukanwa make nenyota. Vana vari kukumbira zvekudya,+ asi hapana ari kuvapa.+
16 Akabva ati kwandiri: “Mwanakomana wemunhu, ndiri kuita kuti zvekudya zvipere muJerusarema,*+ uye vachadya chingwa chavo chichiita zvekuyerwa,+ mwoyo yavo ichinetseka chaizvo, uye mvura yavachanwa ichaita zvekuyerwa uye vachainwa vachitya kwazvo.+
10 “‘“Saka vanababa vari pakati pako vachadya vanakomana vavo,+ uye vanakomana vachadya vanababa vavo, uye ndichapa mutongo pakati pako, ndoparadzira vamwe venyu vese vasara kumativi ese.”’*+
12 Chikamu chako chimwe chete pazvitatu chichafa nedenda* kana kupera nenzara. Chimwe chikamu chacho chichaurayiwa nebakatwa kumativi ako ese.+ Uye ndichaparadzira chikamu chekupedzisira kumativi ese,* uye ndichavhomora bakatwa rekuvadzingirira.+