Dheuteronomi 28:36 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 36 Jehovha achakudzinga pamwe namambo wauchagadza kuti akutonge okuendesai kurudzi rwawanga usingazivi iwe nemadzitateguru ako,+ uye uchanoshumira vamwe vanamwari, vanamwari vematanda nevematombo.+ Dheuteronomi 28:64 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 64 “Jehovha achakuparadzira pakati pemarudzi ese, kubva kune mumwe mugumo wenyika kusvikira kune mumwe mugumo wenyika,+ uye ikoko uchashumira vanamwari vematanda nevematombo vawakanga usingazivi iwe nemadzitateguru ako.+ 2 Madzimambo 23:27 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 27 Jehovha akati: “Ndichabvisawo Judha pamberi pangu,+ sekubvisa kwandakaita Israeri;+ uye ndicharamba guta rino randakasarudza, iro Jerusarema, neimba yandakati nezvayo, ‘Zita rangu richaramba riri ipapo.’”+ Jeremiya 25:11 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 11 Nyika ino yese ichaitwa dongo uye chinhu chinoita kuti vanhu vatye, uye marudzi aya achava pasi pamambo weBhabhironi kwemakore 70.”’+
36 Jehovha achakudzinga pamwe namambo wauchagadza kuti akutonge okuendesai kurudzi rwawanga usingazivi iwe nemadzitateguru ako,+ uye uchanoshumira vamwe vanamwari, vanamwari vematanda nevematombo.+
64 “Jehovha achakuparadzira pakati pemarudzi ese, kubva kune mumwe mugumo wenyika kusvikira kune mumwe mugumo wenyika,+ uye ikoko uchashumira vanamwari vematanda nevematombo vawakanga usingazivi iwe nemadzitateguru ako.+
27 Jehovha akati: “Ndichabvisawo Judha pamberi pangu,+ sekubvisa kwandakaita Israeri;+ uye ndicharamba guta rino randakasarudza, iro Jerusarema, neimba yandakati nezvayo, ‘Zita rangu richaramba riri ipapo.’”+
11 Nyika ino yese ichaitwa dongo uye chinhu chinoita kuti vanhu vatye, uye marudzi aya achava pasi pamambo weBhabhironi kwemakore 70.”’+