-
1 Madzimambo 2:10-12Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
10 Dhavhidhi akabva aradzikwa pamwe chete nemadzitateguru ake, uye akavigwa muGuta raDhavhidhi.+ 11 Dhavhidhi akatonga Israeri kwemakore 40. MuHebroni+ akatonga kwemakore 7, uye muJerusarema akatonga kwemakore 33.+
12 Soromoni akabva agara pachigaro cheumambo chababa vake Dhavhidhi, uye zvishoma nezvishoma umambo hwake hwakasimbiswa.+
-