-
2 Makoronike 5:12, 13Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
12 panguva iyoyo vaRevhi vese vaiva vaimbi+ vekwaAsafi,+ kwaHemani,+ kwaJedhutuni+ nevekuvanakomana vavo nehama dzavo, vainge vakapfeka nguo dzemachira akanaka chaizvo, vakabata zviridzwa zvesimbi dzinorovaniswa, nezviridzwa zvine tambo neudimbwa. Vakanga vakamira kumabvazuva kweatari, vaine vapristi 120 vairidza mabhosvo.+ 13 Varidzi vemabhosvo nevaimbi pavakanga vachirumbidza uye vachitenda Jehovha pamwe chete, mabhosvo, nesimbi dzinorovaniswa, nezvimwe zviridzwa zvichirira, vachirumbidza Jehovha, “nekuti akanaka; rudo rwake rusingachinji runogara nekusingaperi,”+ imba yacho, iyo imba yaJehovha yakazadzwa negore.+
-