-
Dheuteronomi 30:1-3Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
30 “Kana mashoko ese aya aitika kwauri, chikomborero nekutukwa zvandaisa pamberi pako,+ wozviyeuka mupfungwa dzako*+ uri kunyika dzaunenge waparadzirwa kwadziri naJehovha Mwari wako,+ 2 wodzoka kuna Jehovha Mwari wako,+ woteerera inzwi rake maererano nezvese zvandiri kukurayira nhasi, iwe nevanakomana vako, nemwoyo wako wese nemweya* wako wese,+ 3 Jehovha Mwari wako achabva adzosa vanhu vako vanenge vatapwa,+ okunzwira tsitsi,+ okuunganidzazve kubva mumarudzi ese aunenge waparadzirwa kwaari naJehovha Mwari wako.+
-
-
Dhanieri 9:2, 3Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
2 gore raakatanga kutonga, ini Dhanieri, ndakanzwisisa kubva mumabhuku* kuwanda kwemakore aizopera Jerusarema riri dongo,+ akataurwa mushoko raJehovha kumuprofita Jeremiya. Aiva makore 70.+ 3 Saka ndakatarisa kuna Jehovha Mwari wechokwadi, ndichimuteterera mumunyengetero, ndichitsanya+ ndakapfeka masaga, ndiine madota.
-