-
1 Madzimambo 22:29-33Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
29 Saka mambo weIsraeri naJehoshafati mambo weJudha vakakwidza kuRamoti-giriyedhi.+ 30 Mambo weIsraeri akabva ati kuna Jehoshafati: “Ndichachinja nguo dzangu kuti ndirege kuzivikanwa, ndoenda kunorwa, asi iwe unofanira kupfeka nguo dzako dzeumambo.” Saka mambo weIsraeri akachinja nguo dzake kuti arege kuzivikanwa+ akaenda kunorwa. 31 Mambo weSiriya akanga arayira vakuru 32 vengoro dzake achiti:+ “Musarwa nemumwe munhu, mudiki kana mukuru, kunze kwamambo weIsraeri chete.” 32 Vakuru vengoro dzacho pavakangoona Jehoshafati, vakati nechemumwoyo: “Chokwadi uyu ndiye mambo weIsraeri.” Saka vakatsaukira kwaari kuti vamurwise; asi Jehoshafati akatanga kushevedzera kuti abatsirwe. 33 Vakuru vengoro pavakaona kuti akanga asiri mambo weIsraeri, vakabva varega kumutevera.
-