-
1 Madzimambo 7:23-26Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
23 Akabva agadzira Dziva* achishandisa simbi yakanyungudutswa.+ Rakanga riri reraundi, riine makubhiti 10 kubva kune rimwe divi remuromo waro kusvika kune rimwe divi remuromo waro, uye rakanga rakadzika makubhiti 5, uye paida tambo yakareba makubhiti 30 kuti uripoteredze.+ 24 Nechepazasi pemuromo waro paiva nezvinhu zvekushongedza zvakaita semanwiwa madiki+ zvakanga zvakaripoteredza rese zvaro, pakubhiti rimwe nerimwe paine 10, zvichipoterera Dziva racho rese, zvakaumbwa zviri paDziva racho mumitsara miviri. 25 Rakanga rakagadzikwa pamikono 12 yemombe,+ nhatu dzakatarisa kuchamhembe, nhatu dzakatarisa kumavirira, nhatu dzakatarisa kumaodzanyemba, nhatu dzakatarisa kumabvazuva; uye Dziva racho rakanga rakagara pamusoro padzo, dzese dzakafuratira pakati. 26 Ukobvu hwaro hwakanga hwakaita seupamhi hwechanza;* uye muromo waro wakanga wakagadzirwa semuromo wekapu, seruva rakatumbuka. Raigara riine mabhati* 2 000.
-