28 Ahazi+ aiva nemakore 20 paakava mambo, uye akatonga kwemakore 16 muJerusarema. Haana kuita zvakarurama pamberi paJehovha zvakanga zvaitwa natateguru vake Dhavhidhi.+ 2 Asi akafamba nenzira dzemadzimambo eIsraeri,+ uye akatogadzirawo mifananidzo yesimbi+ yavanaBhaari.