RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • 1 Makoronike 9:22-27
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 22 Vese vakasarudzwa kuti vave varindi vepamagedhi vaiva 212. Vainge vagere mumisha yavo vachitevera manyorerwo ainge akaitwa madzinza avo.+ Dhavhidhi naSamueri muoni+ ndivo vakavagadza pabasa ravo nekuti vakanga vakavimbika. 23 Ivo nevanakomana vavo vaitungamirira basa rekurinda magedhi eimba yaJehovha,+ iyo imba yetende. 24 Varindi vepamagedhi vaiva kumativi mana, kumabvazuva, kumavirira, kuchamhembe, nekumaodzanyemba.+ 25 Nguva nenguva, hama dzavo dzaifanira kuuya kubva kumisha yadzo dzoita mazuva 7 dzichishanda pamwe chete navo. 26 Paiva nevakuru vana vevarindi vepamagedhi vakagadzwa kuti vaite basa racho nekuti vaiva vakavimbika. Vaiva vaRevhi, uye vaiona nezvedzimba* nemaichengeterwa pfuma yeimba yaMwari wechokwadi.+ 27 Vaipedza usiku hwese vari munzvimbo dzavo kumativi ese eimba yaMwari wechokwadi, nekuti vaiita basa rekurinda, uye vaichengeta kiyi vachivhura imba yacho mangwanani ega ega.

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe