-
Dheuteronomi 12:30, 31Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
30 chenjerera kuti urege kunyengerwa paanenge aparadzwa pamberi pako. Usabvunza pamusoro pavanamwari vawo, uchiti, ‘Marudzi aya ainamata vanamwari vawo sei? Ini ndichaatevedzerawo.’+ 31 Usaitira Jehovha Mwari wako izvi, nekuti ivo vanoitira vanamwari vavo zvinhu zvese zvinosemesa, zvinovengwa naJehovha, kunyange kupisira mumoto vanakomana vavo nevanasikana vavo kuna vanamwari vavo.+
-
-
Dheuteronomi 18:9-11Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
9 “Paunenge wapinda munyika yauchapiwa naJehovha Mwari wako, usadzidza kutevedzera zvinhu zvinosemesa zvinoitwa nemarudzi iwayo.+ 10 Pakati pako hapafaniri kuwanikwa munhu anopfuudza mwanakomana wake kana mwanasikana wake nemumoto,+ munhu anoshopera,+ munhu anoita zvemashiripiti,+ munhu anotenda mashura,+ muroyi,+ 11 munhu anotsinga vamwe, munhu anobvunza svikiro+ kana mufemberi,+ kana munhu anobvunza vakafa.+
-