-
Ezra 1:1-3Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
1 Mugore rekutanga raMambo Koreshi+ wePezhiya, kuti shoko raJehovha rakataurwa naJeremiya+ rizadziswe, Jehovha akaisa pfungwa mumwoyo maMambo Koreshi wePezhiya yekuti azivise shoko muumambo hwake hwese, iro raakabva anyorawo,+ achiti:
2 “Zvanzi naMambo Koreshi wePezhiya, ‘Jehovha Mwari wedenga akandipa umambo hwese hwenyika,+ uye akandirayira kuti ndimuvakire imba muguta reJerusarema,+ riri muJudha. 3 Munhu wese ari pakati penyu anomushumira, Mwari wake ngaave naye, uye ngaakwidze aende kuguta reJerusarema riri muJudha, anovakazve imba yaJehovha Mwari waIsraeri, ndiye Mwari wechokwadi uyo ane imba yaiva muJerusarema.*
-
-
Ezra 6:3, 4Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
3 “Mugore rekutanga raMambo Koreshi, Mambo Koreshi akapa murayiro pamusoro peimba yaMwari iri muJerusarema achiti:+ ‘Imba yacho ngaivakwezve kuti ive nzvimbo yavachapira zvibayiro, uye faundesheni yayo inofanira kuvakwa; imba yacho inofanira kukwirira nemakubhiti 60,* yakafara makubhiti 60,+ 4 iine mitsara mitatu yemazitombo akakungurutswa achiiswa munzvimbo yawo nemutsara mumwe chete wematanda;+ uye mari yekushandisa ngaibve muimba yamambo.+
-