-
Esteri 2:3, 4Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
3 Uye mambo ngaagadze vamiririri mumatunhu ese eumambo hwake,+ kuti vaunganidze mhandara dzese dzechidiki dzakanaka kunhare* inonzi* Shushani,* kuimba yevakadzi. Ngavaiswe mumaoko aHegai+ mukuru mukuru* wemumuzinda wamambo, muchengeti wevakadzi, uye ngavatsvindiswe.* 4 Musikana anenge afarirwa namambo kupfuura vese ndiye achava mambokadzi panzvimbo paVhashti.”+ Mashoko acho akafadza mambo, uye ndizvo zvaakaita.
-