Eksodho 17:16 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 16 achiti: “Nekuti ruoko rwaAmareki runorwisana nechigaro cheumambo chaJah,+ Jehovha acharwa naye kwezvizvarwa nezvizvarwa.”+ Numeri 24:7 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 7 Mvura inoramba ichidonha kubva mumidziyo yake miviri yedehwe,Uye mbeu yake inodyarwa pedyo nemvura zhinji.+ Mambo wake+ achavawo mukuru kupfuura Agagi,+Uye umambo hwake huchakwidziridzwa.+ Dheuteronomi 25:19 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 19 Kana Jehovha Mwari wako akuzorodza pavavengi vako vese vakakupoteredza munyika yauri kupiwa naJehovha Mwari wako senhaka,+ unofanira kudzima zita revaAmareki pasi pedenga.+ Usakanganwa. 1 Samueri 15:8 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 8 Akabata Agagi+ mambo wevaAmareki ari mupenyu, asi akaparadza vamwe vanhu vese nebakatwa.+ 1 Samueri 15:32 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 32 Uye Samueri akati: “Unzai Agagi mambo wevaAmareki pedyo neni.” Agagi akabva aenda kwaari asingadi,* nekuti Agagi akambenge achizviudza kuti: ‘Chokwadi iye zvino havachandiurayi.’
16 achiti: “Nekuti ruoko rwaAmareki runorwisana nechigaro cheumambo chaJah,+ Jehovha acharwa naye kwezvizvarwa nezvizvarwa.”+
7 Mvura inoramba ichidonha kubva mumidziyo yake miviri yedehwe,Uye mbeu yake inodyarwa pedyo nemvura zhinji.+ Mambo wake+ achavawo mukuru kupfuura Agagi,+Uye umambo hwake huchakwidziridzwa.+
19 Kana Jehovha Mwari wako akuzorodza pavavengi vako vese vakakupoteredza munyika yauri kupiwa naJehovha Mwari wako senhaka,+ unofanira kudzima zita revaAmareki pasi pedenga.+ Usakanganwa.
32 Uye Samueri akati: “Unzai Agagi mambo wevaAmareki pedyo neni.” Agagi akabva aenda kwaari asingadi,* nekuti Agagi akambenge achizviudza kuti: ‘Chokwadi iye zvino havachandiurayi.’