Eksodho 17:6 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 6 Ini ndichange ndakamira ipapo pamberi pako padombo riri muHorebhi. Unofanira kurova dombo racho, mvura yobuda mariri, uye vanhu vachainwa.”+ Mozisi akaita saizvozvo vakuru vaIsraeri vakatarisa. Numeri 20:11 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 11 Mozisi akabva asimudza ruoko rwake, akarova dombo racho kaviri netsvimbo yake, mvura zhinji ikatanga kubuda, ungano ikanwa pamwe chete nezvipfuwo zvavo.+ Pisarema 105:41 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 41 Akavhura dombo, mvura ikayerera;+Yakayerera nemugwenga serwizi.+ Isaya 48:21 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 21 Havana kuva nenyota paakavatungamirira nemunzvimbo dzakaita gwenga.+ Akaita kuti mvura iyerere ichibuda mudombo achiitira ivo;Akatsemura dombo akaita kuti mvura itubuke.”+ 1 VaKorinde 10:4 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 4 uye ese akanwa zvekunwa zvemweya zvakafanana.+ Nekuti akanwa mvura yakabuda padombo remweya raiatevera, uye dombo iroro raireva* Kristu.+
6 Ini ndichange ndakamira ipapo pamberi pako padombo riri muHorebhi. Unofanira kurova dombo racho, mvura yobuda mariri, uye vanhu vachainwa.”+ Mozisi akaita saizvozvo vakuru vaIsraeri vakatarisa.
11 Mozisi akabva asimudza ruoko rwake, akarova dombo racho kaviri netsvimbo yake, mvura zhinji ikatanga kubuda, ungano ikanwa pamwe chete nezvipfuwo zvavo.+
21 Havana kuva nenyota paakavatungamirira nemunzvimbo dzakaita gwenga.+ Akaita kuti mvura iyerere ichibuda mudombo achiitira ivo;Akatsemura dombo akaita kuti mvura itubuke.”+
4 uye ese akanwa zvekunwa zvemweya zvakafanana.+ Nekuti akanwa mvura yakabuda padombo remweya raiatevera, uye dombo iroro raireva* Kristu.+