-
2 Samueri 7:12-15Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
12 Pauchafa,+ woradzikwa pamwe chete nemadzitateguru ako, ndichaita kuti mwana* wako, mwanakomana wauchabereka,* ave mambo pashure pako, uye ndichasimbisa umambo hwake.+ 13 Ndiye achavaka imba yekuti zita rangu rikudzwe,+ uye ndichasimbisa chigaro chake cheumambo nekusingaperi.+ 14 Ndichava baba vake, uye iye achava mwanakomana wangu.+ Kana akakanganisa, ndichamururamisa neshamhu uye ndichamuranga neshamhu sezvinoita vanakomana vevanhu.*+ 15 Rudo rwangu haruzobvi paari semabvisiro andakaruita pana Sauro,+ uyo wandakabvisa pamberi pako.
-