RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Eksodho 15:26
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 26 Iye akati: “Kana mukanyatsoteerera inzwi raJehovha Mwari wenyu, uye mukaita zvakarurama pamberi pake, uye mukateerera mirayiro yake nekuchengeta mirau yake yese,+ handizounzi pamuri chirwere kana chimwe chete pane zvandakaunza pavaIjipiti,+ nekuti ini Jehovha, ndiri kukuporesai.”+

  • Pisarema 41:3
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    •  3 Jehovha achamutsigira paanenge achirwara ari pamubhedha wake;+

      Mukurwara kwake muchachinja mubhedha wake zvakakwana.

  • Pisarema 147:3
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    •  3 Anoporesa vakaora mwoyo;

      Anosunga maronda avo.

  • Isaya 33:24
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 24 Uye hakuna mugari wemo achati: “Ndiri kurwara.”+

      Vanhu vachagara munyika yacho vacharegererwa kukanganisa kwavo.+

  • Jakobho 5:15
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 15 Munyengetero unopiwa nekutenda uchaporesa murwere wacho,* uye Jehovha* achamusimbisa. Uyewo kana aine zvivi zvaakaita, acharegererwa.

  • Zvakazarurwa 21:4
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 4 Achapukuta misodzi yese pamaziso avo,+ uye hapazovi nerufu,+ kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa.+ Zvinhu zvekutanga zvapfuura.”

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe