Genesisi 14:18 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 18 Uye Merekizedheki+ mambo weSarema+ akauya nechingwa newaini; aiva mupristi waMwari Wekumusorosoro.+ VaHebheru 5:5, 6 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 5 Saka Kristu haanawo kuzvipa ega kukudzwa+ kwekuva mupristi mukuru, asi akakudzwa neuya akamuudza kuti: “Ndiwe mwanakomana wangu; nhasi ndava baba vako.”+ 6 Sekutaurawo kwaakamboita kuti, “Iwe uri mupristi nekusingaperi sezvakanga zvakaita Merekizedheki.”+ VaHebheru 6:19, 20 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 19 Tine tariro+ iyi sechinhu chinotsigisa mweya,* yechokwadi uye yakasimba, uye inopinda mukati meketeni,+ 20 umo mune mumwe akatanga kupinda achitimiririra, iye Jesu,+ uyo ava mupristi mukuru nekusingaperi sezvakanga zvakaita Merekizedheki.+ VaHebheru 7:3 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 3 Sezvo akanga asina baba, asina amai, asina dzinza, asina panotangira mazuva ake kana panogumira upenyu hwake, asi akaita seMwanakomana waMwari, iye anoramba ari mupristi nekusingaperi.+ VaHebheru 7:11 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 11 Saka kana vanhu vaiitwa kuti vakwane neupristi hwevaRevhi+ (nekuti hwaiva chimwe chezvinhu zvaiitwa muMutemo wakanga wakapiwa vanhu), paizodirweizve kuti pave nemumwe mupristi akaita saMerekizedheki,+ asina kuita saAroni?
18 Uye Merekizedheki+ mambo weSarema+ akauya nechingwa newaini; aiva mupristi waMwari Wekumusorosoro.+
5 Saka Kristu haanawo kuzvipa ega kukudzwa+ kwekuva mupristi mukuru, asi akakudzwa neuya akamuudza kuti: “Ndiwe mwanakomana wangu; nhasi ndava baba vako.”+ 6 Sekutaurawo kwaakamboita kuti, “Iwe uri mupristi nekusingaperi sezvakanga zvakaita Merekizedheki.”+
19 Tine tariro+ iyi sechinhu chinotsigisa mweya,* yechokwadi uye yakasimba, uye inopinda mukati meketeni,+ 20 umo mune mumwe akatanga kupinda achitimiririra, iye Jesu,+ uyo ava mupristi mukuru nekusingaperi sezvakanga zvakaita Merekizedheki.+
3 Sezvo akanga asina baba, asina amai, asina dzinza, asina panotangira mazuva ake kana panogumira upenyu hwake, asi akaita seMwanakomana waMwari, iye anoramba ari mupristi nekusingaperi.+
11 Saka kana vanhu vaiitwa kuti vakwane neupristi hwevaRevhi+ (nekuti hwaiva chimwe chezvinhu zvaiitwa muMutemo wakanga wakapiwa vanhu), paizodirweizve kuti pave nemumwe mupristi akaita saMerekizedheki,+ asina kuita saAroni?