-
Numeri 21:21-24Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
21 Israeri akabva atuma nhume kuna Sihoni, mambo wevaAmori, achiti:+ 22 “Tibvumireiwo kupfuura nemunyika yenyu. Hatizotsaukiri muminda yembesa kana yemizambiringa. Hatizonwi kana mvura yemumatsime. Tichafamba neMugwagwa Wamambo kusvikira tapfuura munyika yenyu.”+ 23 Asi Sihoni haana kubvumira Israeri kupfuura nemunyika yake. Akatounganidza vanhu vake vese, akaenda kunorwisana naIsraeri murenje, akasvika kuJahazi, akatanga kurwa naIsraeri.+ 24 Asi Israeri akamukunda nebakatwa,+ akatora nyika yake+ kubvira kuAnoni+ kusvikira kuJabhoki,+ pedyo nevaAmoni, nekuti Jazeri+ ndiyo inoganhura nyika yevaAmoni.+
-