Pisarema 33:12 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 12 Runofara rudzi runonamata Jehovha saMwari warwo,+Vanhu vaakasarudza kuti vave nhaka yake.+ Pisarema 37:9 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 9 Nekuti vanhu vakaipa vachaparadzwa,+Asi vaya vanotarisira kuna Jehovha vachagara nhaka yenyika.+ Pisarema 37:37 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 37 Cherechedza munhu asina chaanopomerwa,*Uye ramba wakatarisa munhu akarurama,+Nekuti ramangwana remunhu iyeye rine rugare.+ Pisarema 146:5 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 5 Anofara munhu ana Mwari waJakobho semubatsiri wake,+Anoisa tariro muna Jehovha Mwari wake,+
37 Cherechedza munhu asina chaanopomerwa,*Uye ramba wakatarisa munhu akarurama,+Nekuti ramangwana remunhu iyeye rine rugare.+