38 Akabva ati kwavari: “Mwoyo wangu uri kurwadziwa kwazvo, zvekufa. Sarai pano murambe makarinda neni.”+ 39 Uye akaenda mberi zvishoma ndokugwadama, akanyengetera achiti:+ “Baba, kana zvichiita, kapu+ iyi ngaindipfuure. Asi, ngakurege kuva kuda kwangu, asi kuda kwenyu.”+