Mako 14:36 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 36 Uye akati: “Abha,* Baba,+ zvinhu zvese zvinobvira kwamuri; bvisai kapu iyi kwandiri. Asi ngakurege kuva kuda kwangu, asi kuda kwenyu.”+ Ruka 22:42 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 42 achiti: “Baba, kana muchida, bvisai kapu iyi kwandiri. Kunyange zvakadaro, ngakurege kuva kuda kwangu, asi kwenyu.”+ Johani 5:30 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 30 Handikwanisi kuita chinhu chandinozvitangira ndega. Ndinotonga sekunzwa kwandinenge ndaita, uye mutongo wangu wakarurama+ nekuti handitsvagi kuda kwangu, asi kuda kwaiye akandituma.+ Johani 6:38 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 38 nekuti ndakabva kudenga+ kuzoita kuda kwaiye akandituma, kwete kuda kwangu.+ VaHebheru 10:9 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 9 ozoti: “Onai! Ndauya kuzoita kuda kwenyu,”+ ari kubvisa chekutanga kuti atange chechipiri.
36 Uye akati: “Abha,* Baba,+ zvinhu zvese zvinobvira kwamuri; bvisai kapu iyi kwandiri. Asi ngakurege kuva kuda kwangu, asi kuda kwenyu.”+
42 achiti: “Baba, kana muchida, bvisai kapu iyi kwandiri. Kunyange zvakadaro, ngakurege kuva kuda kwangu, asi kwenyu.”+
30 Handikwanisi kuita chinhu chandinozvitangira ndega. Ndinotonga sekunzwa kwandinenge ndaita, uye mutongo wangu wakarurama+ nekuti handitsvagi kuda kwangu, asi kuda kwaiye akandituma.+