-
1 Madzimambo 2:23, 24Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
23 Mambo Soromoni akabva apika naJehovha achiti: “Mwari ngaandirange zvinorwadza kwazvo kana zvakumbirwa naAdhonija zvikasaita kuti arasikirwe neupenyu hwake.* 24 NaJehovha mupenyu uyo akandigadza+ pachigaro cheumambo chababa vangu Dhavhidhi, akasimbisa utongi hwangu uye akandivakira imba*+ sezvaakavimbisa, nhasi Adhonija anofanira kuurayiwa.”+
-