34 Vana venyoka,+ mungataura sei zvinhu zvakanaka imi makaipa? Nekuti muromo unotaura zvinobva pazvizhinji zviri mumwoyo.+ 35 Munhu akanaka anobudisa zvinhu zvakanaka papfuma yake yakanaka, asi munhu akaipa anobudisa zvinhu zvakaipa papfuma yake yakaipa.+