-
Numeri 25:6-8Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
6 Asi panguva iyoyo chaiyo, pakasvika mumwe muIsraeri achiuya kuhama dzake aine mumwe mukadzi wechiMidhiyani+ Mozisi akatarisa uye ungano yese yevaIsraeri yakatarisa, pavakanga vachichema vari pasuo retende rekusanganira. 7 Finiyasi+ mwanakomana waEriyezari mwanakomana wemupristi Aroni paakazviona, akabva asimuka pakati peungano akabata pfumo. 8 Akabva atevera murume wechiIsraeri mutende, akabaya vaviri vacho, murume wechiIsraeri nemukadzi wacho, uyo waakabaya nepadumbu.* Denda raiva pavaIsraeri rakabva raguma.+
-
-
1 Samueri 15:22, 23Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
22 Samueri akabva ati: “Jehovha anofarira mipiro inopiswa nezvibayiro+ sekufarira kwaanoita kuteerera inzwi raJehovha here? Chinzwa! Kuteerera kunokunda chibayiro,+ uye kunzwa kunokunda mafuta+ emakondohwe; 23 nekuti kupanduka+ kwakafanana nechivi chekushopera,+ uye kuita zvinhu uchizvikudza kwakafanana nekushandisa simba remashiripiti nekunamata zvidhori.* Sezvo wakaramba shoko raJehovha,+ iye akurambawo kuti uve mambo.”+
-