-
1 Madzimambo 21:8-11Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
8 Saka akanyora tsamba muzita raAhabhi, akadzinama nechidhindo chamambo,+ akatumira tsamba dzacho kuvakuru+ nevanhu vanokudzwa vaigara muguta raNabhoti. 9 Akanyora mutsamba dzacho kuti: “Zivisai vanhu kuti vatsanye, uye itai kuti Nabhoti agare pamberi pevanhu. 10 Muite kuti varume vaviri vasingabatsiri vagare pamberi pake vomupomera+ vachiti, ‘Watuka Mwari namambo!’+ Mubve mabuda naye momutema nematombo kusvikira afa.”+
11 Saka varume veguta racho, vakuru nevanhu vanokudzwa vaigara muguta rake, vakaita sezvakanga zvakanyorwa mutsamba dzavakatumirwa naJezebheri.
-
-
Jeremiya 38:4, 5Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
4 Machinda akati kuna mambo: “Tapota, itai kuti murume uyu aurayiwe,+ nekuti mashoko iwayo aari kutaura ari kunetesa mauto* asara muguta rino nevanhu vese. Nekuti murume uyu haasi kuda kuti vanhu ava vave nerugare asi ari kuda kuti vawirwe nedambudziko.” 5 Mambo Zedhekiya akapindura kuti: “Ari mumaoko enyu, mambo haana zvaanogona kuita kuti akudzivisei.”
-